Mangwanani akanaka sangano dzvene raMwari

Yandinayo ivhangeri ndaipa musoro weShoko

KURURAMA NEZVOKWADI ZVAKATSVODANA

Kuti tifambiranei pamwe vana va Jesu vhurai bhuku

Hebrews 13:5
Isaya 53:5
Isaya 40:8
Mapisarema 85:8-12

Kuti zvirerukirewo avo vasina ma bhaibheri ndakanda maverses acho pa musoro. Tikatarisa bhuku ya va Heburu iri kuti musakarira mari pamugarire wenyu. Unobva watorohwa ne hana tichangotanga nokuti mari ndiyo yaita unonoke kukereke, yaita usaenda kumunamato uchiti kure ndingarasikirwa ne mari, mari ndiyo inodikanwa nomoyo yavazhinji. Nhasi nyika nenyika dzinorwidzana pamusoro pemari. Asi kune anotenda muna Jesu tinoti gutsikana nezvamunazvo nokuti iye amene akati Handingatongokuregi, handingatongokusiyi. Iye amene Jesu Kristu akavapo pamugarire wako zvose zvako zvaendeka. Kureva mari haigoni kutenga mufaro unoringana asi Jesu, mari haigoni kutenga hutano asi Jesu, mari haigoni kutenga hupenyu asi Jesu. Zvino arikunzi na Pauro iye amene hangatongokuregeri ndiJesu. Isu redu vatendi basa zvino kungotenda bedzi nezvatinazvo Amen. Unei, une hupenyu, une moyo unotsvaka zvokwadi, une nyota yokururama ( Mateo 5 inoti vakaropofadzwa vane nzara ne nyota yokuruma nokuti vachagutiswa👏👏) Tendai Mwari nokuti muchine imwe nguva yokunzwa ivhangeri. Ko kururama chii Kururama ndi Mwari, kururama Ishoko, kururama ndiJesu. Naizvozvo tsvakai Kristu kutanga zvichida varipo vamwe vangati iyi dzidziso yava ipi handei pa bhuku ya Johani tichaona kuti Jesu vanoti ndini nzira ndini zvokwadi (John 14:6).Pabhuku imwe iyoyi uchaona kuti panoti tsvakai zvokwadi kutanga zvokwadi ichakusungurai👏
Naizvozvo kereke yeNgarava  tendai nezvamunazvo tendai nezvokwadi iri pakati penyu. Tati isu KURURAMA NEZVOKWADI ZVAKATSVODANA..kureva kuti ndave kutodzima imwe pfungwa yange iri muhana yako kuti kururama mabasa akanaka a panyika hongu neipfungwa asi parizvino ndinoda uone Kristu, uone Mwari. Ko kutsvodana hakusi kuva pamwechete here, inga zvatoreva kare kuti izvi chinhu chimwe. Zvakanaka handidi kuti nditaurise zvanyanya kunyangwe zvakadaro ndine zvizhinji zvokutaura ndapiwa nguva pfupi. Handei pa bhuku ya (Isaya 40 :8) Bhuku irikuti huswa hunooma ruva rinosvava ichokwadi, mari inopfuura, iwe unokwegura, nyama yomuviri inosakara asi shoko rinogara nokusingaperi. Shoko kwete kureva ra Nyanduri N Mafume kwete, ra W  Magaya kwete, ra S Bushiri kwete, ra E Makindiwa kwete, ra Bishop E Guti kwete, raBishop O Mudzve kwete, ra president Obasanjo kana Yoweni Museveni kwete, rako kwete. Shoko ndi Kristu ndiye chete anogara nokusingaperi👏(Johani 1) (Zvakazarurwa 3:7)
Pakutanga Shoko rakanga riripo, Shoko rakanga riri kunaMwari, Shoko rakanga riri Mwari. PATOTSVODANWA APA 👏
Saka uchaona kuti Pauro pana va Efoso 6:14 anoti sungai bhanhire *rezvokwadi* muzviuno zvenyu makatora chidzitiro chechifuva *chekururama* ndakaipatsanura pa Harare hatingatauri zvanyanya asi tave kutoona kuti chii chinoda kutorwa parwendo rwekunamata ndi Jesu . Handingazivi Mwari ndisina Jesu, handingazivi KURURAMA ndisina ZVOKWADI... 🤔Saka chinosvava seruva chii I dzidziso dzakatsauka. (2Timoti 4:4) vachifuratidza nzeve dzavo *pazvokwadi* , vachitsaukira kungano.Dzidziso dzakatsuka ndodzevaye vanokarira mari pamuraramiro wavo vachiramba *zvokwadi* . Vanoti gore rino igore rokuita mari, vanoti gamuchira mota yako, gamuchira mukadzi wako, gamuchira imba yako,gamuchira hutano, gamuchira promotion pabasa, aiwa dai takaziva kugamuchira zvokwadi anova ndi Jesu taizova nazvose izvezvi . (Isaya 55) huyai imi makaneta maremerwa huyai musine mari, tenge ruponiso. Zvino dzidziso dzakatsauka vanototi kuti uone muporofita huya ne mari, kuti uwane mvura mhenyu huya nemari, kuti uropofadzwe huya nemari. Jesu vanoti pa Johani 4 dai waiziva chipo chaMwari dai waikumbira mvura mhenyu haungazovi nenyota zvakare. Zvino idzi mvura dzinotengeswa ne n, anga unoramba uine nyota. Zvakanaka ngatiisiyei tifambirei mberi KURURAMA NEZVOKWADI ZVAKATSVODANA. handei pabhuku ya Isaya 53:5 Akakuvadzwa akarohwa nokuda kwedu, akarwadziwa nokuda kwezvakaipa zvedu, kurohwa kwakativigira rugare _(maziva here kuti Jesu ndiye mambo weRugare)_ kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake 👏 ndi Jesu. Ndinotenda kuti ikozvino wave kuona kurugare rwakauya sei kwatiri amen. Mapisarema 85:8-13


8 Ndichanzwa zvichataura Mwari Jehovha; Nokuti achataura rugare kuvanhu vake nokuvatsvene vake; Asi ngavarege kudzokerazve kuupenzi.
9 Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu.
10 Ngoni nezvokwadi zvakasangana; *```Kururama  norugare zvakatsvodana.*```
11 Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. 12 Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
13 Kururama kuchamutungamirira; Kuchagadzirira tsoka dzake nzira.
👏👏👏
Zvokwadi zvinomera pasi ndi Jesu anouya seshoko panyika.
Kururama kwakatarira pasi kuri mudenga ndiMwari baba  vanopa simba ku zvokwadi. 🤪

 _*```Kururama  norugare zvakatsvodana.** `_ ``

Wenyu Muranda waIshe Bishop Mudzve O
@NGARAVA

Comments

Post a Comment

Popular Posts